19 Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari, iyemi makaita zvinhu zvikuru. Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?
20 Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchadzosa upenyu hwangu zvakare; kubva kwakadzika kwepasi muchandibudisazve.
21 Muchawedzera kukudzwa kwangu, uye muchandinyaradzazve.
22 Ndichakurumbidzai nembira nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu; ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa, imi Mutsvene woga waIsraeri.
23 Miromo yangu ichadanidzira nomufaro pandinokurumbidzai nenziyo, iyeni, wamakadzikinura.
24 Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama zuva rose, nokuti avo vaida kundikuvadza vanyadziswa uye vakanganiswa.