6 Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai.
7 Ndava sechishamiso kuvazhinji, asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.
8 Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.
9 Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera.
10 Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu; avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.
11 Vanoti, “Mwari amusiya; muteverei mumubate, nokuti hakuna achamununura.”
12 Regai kuva kure neni, imi Mwari; uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.