32 Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.
33 Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.
34 Pose pavairayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari.
35 Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.
36 Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo;
37 mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38 Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.