37 mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38 Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
39 Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.
40 Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje!
41 Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.
42 Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
43 zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani.