1 Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.
2 Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
3 Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.
4 Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.
5 Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.
6 Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.
7 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera