14 Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?
15 Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.
16 Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.
17 Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.
18 Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.