1 Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.
2 Iye achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira.
3 Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama.
4 Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.
5 Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,
6 achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.
7 Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.