14 Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
15 Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera
16 Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda.
17 Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nomutinhiro; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
18 Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.
19 Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.
20 Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.